Sarudzo Imwe Chete Yakashandura Hupenyu Hwangu - Chapupu ChaMaxwell Chinoruma

Muguta reHarare mugore ra2002 vachiri murume wechidiki vakasvika pavaifanira kusarudza kugara kana kufamba. 


Pakarepo vakasurudza kufamba, kubva muzuva iri Havana kuzombo nyunyuta nokuda kwesarudzo yavakaita.

"Mugore ra2002, mushure mekuongarora ndakaona kuti zvandainge ndaitira kereke yandaipinda zvainge zvawanda uye handainzwa Kuda kupfuurira mberi, pakarepo ndakaita sarudzo yokutsvaga kereke itsva yandaizopinda ini nemhuri yangu."


Panguva iyi Maxwell Chinoruma akange atarisana nesarudzo mbiri, kuenda kune imwe svondo yaimutendera kuenda zvakare kukereke yaakange agara kwemakore kana kusiya zvose voenda kuhushumiri hweGlory Ministries. Mugore ra2003 vakazosvika pavakasarudza kuenda kuhushumiri hweGlory Ministries.

Aya akange ari makore maviri mushure mekunge Apostle Pride Sibiya vavamba hwushumiri hweGlory Ministries, panguva iyi hushumiri hwainge huine vanhu vashoma kwazvo. Sarudzo iyi Yakashandura hupenyu hwavo uye nekuudza bundutso mumutumbi waJesu Christu.
Chapupu ChaMaxwell Chinoruma
Makore gumi nematanhatu apfuura VaChinoruma ndivo vave kutangamirira makereke ose eGlory Ministries ari munyika yeZimbabwe. Izvi zvakavepo nokushanda zvinesimba.

Nhorondo yavo yakange izere nemarwadzo, kunyunyuta pamwe neukasha hwuzhinji. Pavakatanga kubata muGlory Ministries, moyo wavo wakanga uzere nemavanga. Kupfurikidza nababa vavo vepamweya Apostle Pride Sibiya mavanga akapora ikozvino vagere nemufaro mukuru.

"Zvino zvitatu zvikuru zvandadzidza kubva kuna Apostle Sibiya zvinosanganisira rudo, hwubaba nekupa panorwadza. Ndakange ndiri murume azere nekunyunyuta kwazvo asi rudo rwakandishandura." Vakadaro baba Chinoruma.

Vachitarira shure, Hupenyu hwavakararama vanoona shanduko zhinji kwazvo. " ndakadzidza kuva Baba vakanaka. Dzimweni dzenguva ndaitadza sababa asi Apostle Sibiya vaigara neni pasi vondigadzirisa," vanoenderera mberi.

Parinhasi VaChinoruma vashundura zvizhinji muhupenyu hwavo nokuda kwekupa. Pane chimwe chinhanho vakapa motokari ndokutenga Imwe munguva pfupi kwazvo.

Semutungamiri paSvondo inonzi Ramah Zion vanozivikanwa zvikuru nenyasha dzekusimudzira vatendi, nekuvavandudza munyaya dzemabhizimusi zvakare nenyasha dzokunamatira vasina vana. "Nguva zhinji ndinokurukura nemhuri dzatambura kuita vana vachibara mushure maizvozvo."

Zvakare vanozivikanwa nokuda kwedzidziso dzavo dzinehudzamu, uye nokumira somuenzaniso wemwana akatendeka kuvabereki zvakare nekumira nechiono chehushumiri. Kupfurikidza nababa vavo pamweya vakukwanisawo kumira munzvimbo dzakaremekedzeka mukereke pamwe nekunze.

"Baba vangu vakakunda zvakawanda, vakukwanisa kumira sababa munzvimbo zhinji uye nekunzi Baba nevazhinji. Muenza niso mukuru muchitendero chechi Christu zvakare vari mudzidzisi mukuru weshoko raMwari.

Apostle Sibiya, Archbishop Gurupira, Bishop Tudor Bismarck, Bishop T D Jakes na Prophet Chiza vanomiririra chokwadi nerumwe rutivi Evangelist P Saungweme vanomiririra kutenda muhupenyu hwava Chinoruma hwokunamata.

Vakabarwa mugore ra1976 zvakare vave nemakore gumi nemasere vawanana nemudzimai wavo Abigail Chinoruma. Vaviri ava vakaropafadzwa nevana vana.

Mumakore mashanu anotevera chiono chavo ndechekunge vave kutungamira kereke guru ine vanhu vanodarika mazana maviri, nekuva mukuru panyaya dzemabhizimisi.
Chapupu ChaMaxwell Chinoruma

Chapupu ChaMaxwell Chinoruma

Chapupu ChaMaxwell Chinoruma

Chapupu ChaMaxwell Chinoruma

Post a Comment

0 Comments

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
Glory Ministries is an international movement which was founded in 2001 by Apostle P. Sibiya, in Chitungwiza, Zengeza, the greater part of Harare, Zimbabwe. It is a global ministry with the vision of taking God's glory to the nations of the world. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp